Matthew 17

Kubwinya kwaJesu paGomo

1Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga. 2Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. 3Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.

4Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”

5Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”

6Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo. 7Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.” 8Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.

9Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”

10Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”

11Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose. 12Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.” 13Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.

Kuporeswa kwoMukomana Aiva neDhimoni

14Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, 15“Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. 16Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.”

17Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” 18Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.

19Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?”

20Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. 21Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.”

22Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. 23Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.

Mutero womuTemberi

24Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?”

25Akapindura akati, “Hongu, anoripa.”

Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?”

26Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka. 27Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”

Copyright information for SnaBDSC